Kinyarwanda

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Kinyarwanda mutauro unowanikwa kuRwanda uri muboka remitauro yeBantu.

Mazwi Anotodzana[chinja | edit source]

  • Kinyarwanda inoti umunyu (salt); VaShona vanoti munyu.
  • Kinyarwanda inoti inyota (thirst); VaShona vanoti nyota.
  • Kinyarwanda inoti kota (warm oneself by the fire); VaShona vanoti kugota.
  • Kinyarwanda inoti umwotsi (smoke); VaShona vanoti hutsi.
  • Kinyarwanda inoti urupfu (death); VaShona vanoti rufu.
  • Mwana (Child) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Kinyarwanda inoti gupfukama (to kneel); VaShona vanoti kupfugama.
  • Kinyarwanda inoti gupima (measure, weigh, examine); VaShona vanoti kupima.
  • Kinyarwanda inoti gupfa (to die); VaShona vanoti kufa.
  • Kinyarwanda inoti umupira (rubber); VaShona vanoti mupira.
  • Kinyarwanda inoti kureka (to stop, leave off, refrain from, cease, forsake, allow); VaShona vanoti kurega.
  • Kurindira (to wait for, expect) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Mururimi rweKinyarwanda vanoti Kuringanira (to be even ,equal, flat) kuShona vanoti kuringana.
  • Muramu (Sister-in-law of man; Brother-in-law of woman) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Kurera (to train, rear child) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Kuremera (to be heavy) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Kinyarwanda inoti uburiri (bed, sleeping place); VaShona vanoti uriri.
  • Kinyarwanda inoti kurwanya (to fight); VaShona vanoti kurwa.
  • Kinyarwanda inoti kurunda (to pile together, heap ). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Chirunda?
  • Kinyarwanda inoti -shya (new); VaShona vanoti -tsva kana -dzva.
  • Kinyarwanda inoti umuswa (white ants); VaShona vanoti mutswa.
  • Kinyarwanda inoti igitaka (soil); VaShona vanoti dhaga kana dhaka.
  • Kinyarwanda inoti gutambika (to place crosswise, be crosswise, hrizontal); ChiNdau vanoti kutambika.
  • Kinyarwanda inoti tandatu (six); VaShona vanoti tanhatu kana nhanhatu.
  • Kinyarwanda inoti tanu (five); VaShona vanoti shanu.
  • Kinyarwanda inoti umuti (medicine, any mixed preparation); VaShona vanoti muti.
  • Kinyarwanda inoti kubaka (to build); VaShona vanoti kuvaka.
  • Kinyarwanda inoti ubuso (surface); VaShona vanoti chiso kana uso.
  • Kurwara (to be sick, ill) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Rwose (entire, complete, very much) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
  • Mururimi rweKinyarwanda vanoti (to be hungry). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Musonza?
  • Kinyarwanda inoti isi (world, earth); Lugwere vanoti chisi (region, country). VaShona vanoti chisi kureva zuva rinoereswa kushanda.


Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Izwi rokuti intara (region, area) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda. Zvichida izwi iri rinotodzana nechivakamberi nhara- mumazwi anoti nharaunda kana nharawanzi?
  • Izwi rokuti umutemeri (lid, cover) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda. Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Mutemeri?
  • Izwi rokuti igitsina (sex, gender - male or female) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda.